Isaiah 23

Chiprofita pamusoro peTire

1Chirevo pamusoro peTire:

Ungudzai imi zvikepe zveTashishi!
Nokuti Tire raparadzwa
uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe.
Shoko rakasvika kwavari richibva
kunyika yeSaipurasi.

2Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi
nemi vatengesi veSidhoni,
imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza.
3Pamusoro pemvura
zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa;
mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire,
uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.

4Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa,
nokuti gungwa rataura richiti,
“Handina kumborwadziwa kana kubereka;
handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
5Panosvika shoko kuIjipiti,
vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.

6Yambukirai kuTashishi;
ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.
7Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here,
guta rakare kare,
rakaendeswa kure kure netsoka dzaro
kundogara kunyika iri kure?
8Ndianiko akarongera Tire izvozvi,
iro raipa korona,
vatengesi varo vari machinda,
vashambadziri varo vane mukurumbira munyika?
9Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo,
kuti adzikise kuzvikudza kwekukudzwa kwose,
uye kuti aninipise vose vane mukurumbira panyika.

10Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi,
iwe mwanasikana weTashishi,
nokuti hauchina panomira zvikepe.
11Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa,
uye akaita kuti ushe hwaro hudedere.
Akarayira pamusoro peKenani,
kuti nhare dzayo dziparadzwe.
12Akati, “Mafaro ako haachazovapozve,
iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa!

“Simuka uyambukire kuSaipurasi;
Kunyange naikoko haundowani zororo.”
13Tarira nyika yavaBhabhironi,
rudzi urwo haruchaverengwi zvino!
VaAsiria vakaiita
nzvimbo yemhuka dzerenje;
vakamisa shongwe dzavo dzokurwa,
vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina,
uye vakarishandura rikava dongo.

14Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi;
nhare yenyu yaparadzwa!
15Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:

16“Tora rudimbwa, ufambe nomuguta,
iwe chifeve chakakanganikwa;
ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji,
kuitira kuti ugorangarirwa.”
17Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika. 18Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.

Copyright information for SnaBDSC